Mutemo wevanotengesa mumigwagwa nemumisika muKaroi: Mikana nematambudziko mukuedza kuvandudza raramo yevanotengesa mumisika nemumigwagwa
Iri Bepa nhau rinotsvakurudza zvinosanganikwana nazvo nevanotengesa mumisika nemumigwagwa mudhorobha reKaroi, Zimbabwe. Vashandi ava chikamu chakakosha mukugarisana uye hupfumi, hweKaroi kuburikidza nekutengesa zvinodiwa nemari yakaderera. Vazhinji vavo vanotengesa vasina zvikwanisiro vachisangana nematambudziko kuti vawane kurarama. Boka reZimbabwe Chamber of Informal Economy Association yakabatana neWIEGO uye Streetnet International pachirongwa chekuvandudza hurukuro pakati pevanotengesa nekanzuru kuburikidza nenzira dzemitemo mbiri inoti Administrative justice (kutora matanho asina hunzvanyiriri) uye gwara re ILO Recommendation 204.Kuwedzera zvakaitwa kare neZCIEA mukunyorerana zvibvumirano zvekushandidzana pakati pemakanzuru anopfuura makumi maviri (20) nyika yose neZCIEA,nzira yekutanga kwaive kuda kunzwisisa kuti sei vanotengesa muKaroi vachiita basa iri vasina zvikwanisiro, matambudziko avanosanga navo uye nzira dzekuzvigadzirisa. Bepa nhau iri rakanangana nevanotengesa mumisika nemumigwagwa.
View list of all: Fact Sheets/Infographics